Thursday 7 March 2013

Mweya Mutsvene Muri Mwari

Mweya Mutsvene Muri Mwari

Mweya Mutsvene muri Mwari
Ndinotambudzika ,
Mwoyo wangu unochema,
Ndinomuda zvino.

CHORUS
Ndizadzenyi, ndizadzenyi
Uyai, Mweya zvino,
Pindai mwoyo wangu, Mweya,
Kuti ndisimbiswe.


Ndine nungo zviro kwazvo,
Ndinoshaya simba,
Asi mukandisimbisa,
Ndinokunda zvese.

Ndinoziva basa renyu
Kuti rakanaka,
Munotungamira vese
Vanomuteerera.

Kuti ndichitungamirwa
Handichawi pasi,
Handichamusiyi Baba,
Kana nzira dzenyu.

Nzira dzenyu dzakanaka,
Dzine ruvheneko,
Dzine zano rekufamba
Zvakanaka kwazvo.

Muri mubatsiri wangu,
Mutendeki kwaye,
Avo vanomutevera,
Vanokomborerwa.

1 comment:

  1. 🙏🙏🙏🙏🙏🙏🙏🙏🙏🙏🙏🙏🙏🙏

    ReplyDelete