Famba Mangwanangwana
Famba mangwanangwana,
Famba masikati,
Famba zuva radoka
Famba pausiku.
Famba nomwoyo mutsvene,
Urege kutyiswa
Upfugame nemabvi
Teura kwaari.
Famba masikati,
Famba zuva radoka
Famba pausiku.
Famba nomwoyo mutsvene,
Urege kutyiswa
Upfugame nemabvi
Teura kwaari.
Kumbirira shamwari,
Vose unovada;
Kumbirira vavengi
Rega kuvasiya;
Shure kwezvo kumbira
Chowotsvaga woga,
Nero zita raJesu
Mununuri wako.
Vose unovada;
Kumbirira vavengi
Rega kuvasiya;
Shure kwezvo kumbira
Chowotsvaga woga,
Nero zita raJesu
Mununuri wako.
Kana washaya nzvimbo
Yokugara woga;
Kana varipo vamwe,
Zvimwe une basa
Mwari anokunzwa.
Kufunga kwedu kose
Kunozibwa naye.
Yokugara woga;
Kana varipo vamwe,
Zvimwe une basa
Mwari anokunzwa.
Kufunga kwedu kose
Kunozibwa naye.
Kana waona nhamu
Teura kwaari;
Naparufaro rwako
Tenda kuna Mwari;
Simba raakatipa
Rinokunda zvose,
Simba rokuteura
Kuna Mwari wedu.
Teura kwaari;
Naparufaro rwako
Tenda kuna Mwari;
Simba raakatipa
Rinokunda zvose,
Simba rokuteura
Kuna Mwari wedu.
No comments:
Post a Comment