Thursday 7 March 2013

Zano Chiro Chakanaka

Zano Chiro Chakanaka
Zano chiro chakanaka
Tese tinorida kwazvo,
Zano haritengwi, kwete,
Riri chipo chaJehovha.

Izwi rake rine zano
Kusimudza vanhu vese,
Ririsimba remarudzi,
Riri idi remakore.

Nge ro zano tine simba
Rekuita zvakanaka,
Asi rinouya basi
Kune avo vanomuda.

Soromoni wakarida,
Akarikumbira Mwari,
Ndizvo Mwari wakamupa
Zano, pfuma nerukudzo.

Apo tinoshaya zano
Ngatiuye kuna iye,
Uyo ane rakakwana
Kupa kune vanhu vese.

Zadzisa Chirevo Chako

Zadzisa Chirevo Chako
Zadzisa chirevo chako,
Mwari, Ishe wechokwadi;
Ose marudzi enyika
Ngaawane ruponeso.

Namabvi kune i nyika,
Ngaapfugame panewe;
Dzidzamare dzose ndimi
Dzireve ukuru hwako.

Tonga, Tonga, Ishe Jesu!
Kuuye newe kufara,
Nezvikanganiso zvedu
Tatadzisa yose nyika.

Tarira nyika yokwedu,
Urege kuipa kwayo
Urege kutsamwa kwako
Isingafe mhuri yavo.

Ramba Ishe tisazvidze
Zvidziidzo zvenzwi rako;
Ugozotimutsira
Tinzwe nechokwadi chako.

Watakura Kuipa Jesu

Watakura Kuipa Jesu
Watakura kuipa Jesu,
Kusi kuipa kwako;
Ukaripa mhosva Jesu,
Isi mhosva yako.

Waiva munhu une tsitsi
Usatadza iwe;
Raparara ropa rako,
Wakanaka iwe.

Kudarika kwedu kose,
Kwakanyorwa newe,
Nezvirandu zvose,
Zvakanyorwa newe.

Taregererwa, taponiswa,
Nezvirwadzo zvako;
Tinoshambwa pakaipa
Nero ropa rako.

Wagadzira Nhasi Here

Wagadzira Nhasi Here
Wagadzira nhasi here
Nzvimbo yake Muponesi
Yekugara Mweya wake?
Wakakumirira zvino.
CHORUS
Hunde, ndine nzvimbo yake,
Tenzi wavatenzi vese,
Mwoyo wangu ndazarura
Kutambira Jesu Kristu.
Mwari wakatisikira
Kuva mumba yekugara,
Anotuma Mweya M’tsvene
Kuti azogara nesu.

Une nzvimbo yake here,
Uyo wakakununura?
Apo wanga wakaraswa,
Wakauya kukutsvaka.

Haunacho chipo kwete
Kupa kuna mambo wako?
Asi anofadzwa kwazvo
Kutambira mwoyo wako.

Kuti uchimukanganwa,
Ungazoponeswa senyi,
Zvokusina rimwe zita
Reungaponeswa ndiro?

Vazhinji Vanayo Nhaka

Vazhinji Vanayo Nhaka
Vazhinji vanayo nhaka
Yavanozviinzwa nayo
Vazhinji vanayo pfuma
Vanozvifarisa nayo

Handizvidze zvipo zvenyu
Zvohu upenyu huripo
Asi imi Ishe Jesu
Muri nhaka yangu kwazvo

Kunyange ndanga ndisina
Zvinhu zvoruno rugaro
Ndinemi muridzi wazvo
Ndine zvinhu zvose nemi

Kana mava wangu Jesu
Ndakwana nezvinhu zvose
Nezvi zviripo ndezvangu
Nezvinouya ndezvangu

Neino nyika ndeyangu
Nairo denga nderangu
Nahwo upenyu ndohwangu
Nokunakirwa ndokwangu
Hahupere uhwopenyu
Huri nhaka yangu nemi
Kunakirwa hakupere
Kwandakawana kunemi

Tsitsi Hedzi Dzamira Dzoga

Tsitsi Hedzi Dzamira Dzoga

Tsitsi hedzi dzamira dzoga,
Nezvirwadzo zvakamira zvoga,
Nengoni dzakamira dzoga
Pamuchinjikwa.

Ishe waburuka kudenga,
Akazova munhu kuvanhu,
Akava diramhamba redu,
Pamuchinjikwa.

Rutendo rwedu rwomirepi?
Kufunga kwedu kwomirepi?
Norudo rwedu rwomirepi?
Pamuchinjikwa.

Tsaona ingaperi yose,
Nemhaka dzose dzingaripwe;
Zvakaipa zvinoregerwa;
Pamuchinjikwa.

Dzakaona ngirosi pasi,
Dzakati gwanamwana pasi,
Dzichiona mashura ayo!
Pamuchinjikwa.

Tarirai Kune Nyika Uko

Tarirai Kune Nyika Uko
Tarirai kune nyika uko!
Nokutenda toona iyo
Baba vedu vanogarapo,
Vachingogadzira isu.
CHORUS:
Tichando farawo
Musi watichazosvikako
Tichando, tichando farawo,
Musi watichazosvikako
.

Tichazondoimbira apo
Nziyo dzavadikanwa vaSHE;
Mweya yedu ichafara vo
Tichingozorodzi wa naye.

Tichandovunganira apo,
Tichandokudza zita raSHE
Nyasha yake tichavongavo,
Tazopiwa zororo naye.