Ndinofara Kuti Baba Wedu
Ndinofara kuti Baba wedu
Wareva rudo rwake rukuru,
Parugwaro rwake rwakanaka,
Wakandiudza Jesu wandida.
Ndinofara kuti Baba wedu
Wareva rudo rwake rukuru,
Parugwaro rwake rwakanaka,
Wakandiudza Jesu wandida.
CHORUS
Ndinofara Jesu wandida
Anondida, anondida;
Ndinofara Jesu wandida,
Ini anondida.
Kana ndichimukanganwa Iye,
Asi anogondiyeuchid za,
Zvino kwaari ndinodzokera,
Ndofunga kuti Jesu wandida.
Jesu anondida ini kwazvo
Kuti wandipa upenyu hwake;
Kutadza kwangu wakakufira
Ndoziva kuti Jesu wandida.
Mwoyo wangu uno Muyamuri,
Ndinotenda Jesu Mununuri,
Zvino ndinogomubatiri ra,
Nokuti ndonzwa Jesu wandida.
No comments:
Post a Comment