Thursday 7 March 2013

Zano Chiro Chakanaka

Zano Chiro Chakanaka
Zano chiro chakanaka
Tese tinorida kwazvo,
Zano haritengwi, kwete,
Riri chipo chaJehovha.

Izwi rake rine zano
Kusimudza vanhu vese,
Ririsimba remarudzi,
Riri idi remakore.

Nge ro zano tine simba
Rekuita zvakanaka,
Asi rinouya basi
Kune avo vanomuda.

Soromoni wakarida,
Akarikumbira Mwari,
Ndizvo Mwari wakamupa
Zano, pfuma nerukudzo.

Apo tinoshaya zano
Ngatiuye kuna iye,
Uyo ane rakakwana
Kupa kune vanhu vese.

Zadzisa Chirevo Chako

Zadzisa Chirevo Chako
Zadzisa chirevo chako,
Mwari, Ishe wechokwadi;
Ose marudzi enyika
Ngaawane ruponeso.

Namabvi kune i nyika,
Ngaapfugame panewe;
Dzidzamare dzose ndimi
Dzireve ukuru hwako.

Tonga, Tonga, Ishe Jesu!
Kuuye newe kufara,
Nezvikanganiso zvedu
Tatadzisa yose nyika.

Tarira nyika yokwedu,
Urege kuipa kwayo
Urege kutsamwa kwako
Isingafe mhuri yavo.

Ramba Ishe tisazvidze
Zvidziidzo zvenzwi rako;
Ugozotimutsira
Tinzwe nechokwadi chako.

Watakura Kuipa Jesu

Watakura Kuipa Jesu
Watakura kuipa Jesu,
Kusi kuipa kwako;
Ukaripa mhosva Jesu,
Isi mhosva yako.

Waiva munhu une tsitsi
Usatadza iwe;
Raparara ropa rako,
Wakanaka iwe.

Kudarika kwedu kose,
Kwakanyorwa newe,
Nezvirandu zvose,
Zvakanyorwa newe.

Taregererwa, taponiswa,
Nezvirwadzo zvako;
Tinoshambwa pakaipa
Nero ropa rako.

Wagadzira Nhasi Here

Wagadzira Nhasi Here
Wagadzira nhasi here
Nzvimbo yake Muponesi
Yekugara Mweya wake?
Wakakumirira zvino.
CHORUS
Hunde, ndine nzvimbo yake,
Tenzi wavatenzi vese,
Mwoyo wangu ndazarura
Kutambira Jesu Kristu.
Mwari wakatisikira
Kuva mumba yekugara,
Anotuma Mweya M’tsvene
Kuti azogara nesu.

Une nzvimbo yake here,
Uyo wakakununura?
Apo wanga wakaraswa,
Wakauya kukutsvaka.

Haunacho chipo kwete
Kupa kuna mambo wako?
Asi anofadzwa kwazvo
Kutambira mwoyo wako.

Kuti uchimukanganwa,
Ungazoponeswa senyi,
Zvokusina rimwe zita
Reungaponeswa ndiro?

Vazhinji Vanayo Nhaka

Vazhinji Vanayo Nhaka
Vazhinji vanayo nhaka
Yavanozviinzwa nayo
Vazhinji vanayo pfuma
Vanozvifarisa nayo

Handizvidze zvipo zvenyu
Zvohu upenyu huripo
Asi imi Ishe Jesu
Muri nhaka yangu kwazvo

Kunyange ndanga ndisina
Zvinhu zvoruno rugaro
Ndinemi muridzi wazvo
Ndine zvinhu zvose nemi

Kana mava wangu Jesu
Ndakwana nezvinhu zvose
Nezvi zviripo ndezvangu
Nezvinouya ndezvangu

Neino nyika ndeyangu
Nairo denga nderangu
Nahwo upenyu ndohwangu
Nokunakirwa ndokwangu
Hahupere uhwopenyu
Huri nhaka yangu nemi
Kunakirwa hakupere
Kwandakawana kunemi

Tsitsi Hedzi Dzamira Dzoga

Tsitsi Hedzi Dzamira Dzoga

Tsitsi hedzi dzamira dzoga,
Nezvirwadzo zvakamira zvoga,
Nengoni dzakamira dzoga
Pamuchinjikwa.

Ishe waburuka kudenga,
Akazova munhu kuvanhu,
Akava diramhamba redu,
Pamuchinjikwa.

Rutendo rwedu rwomirepi?
Kufunga kwedu kwomirepi?
Norudo rwedu rwomirepi?
Pamuchinjikwa.

Tsaona ingaperi yose,
Nemhaka dzose dzingaripwe;
Zvakaipa zvinoregerwa;
Pamuchinjikwa.

Dzakaona ngirosi pasi,
Dzakati gwanamwana pasi,
Dzichiona mashura ayo!
Pamuchinjikwa.

Tarirai Kune Nyika Uko

Tarirai Kune Nyika Uko
Tarirai kune nyika uko!
Nokutenda toona iyo
Baba vedu vanogarapo,
Vachingogadzira isu.
CHORUS:
Tichando farawo
Musi watichazosvikako
Tichando, tichando farawo,
Musi watichazosvikako
.

Tichazondoimbira apo
Nziyo dzavadikanwa vaSHE;
Mweya yedu ichafara vo
Tichingozorodzi wa naye.

Tichandovunganira apo,
Tichandokudza zita raSHE
Nyasha yake tichavongavo,
Tazopiwa zororo naye.

Riripo Tsime Rizere

Riripo Tsime Rizere
Riripo tsime rizere
Neropa raJesu;
Vatadzi vakashamba’mo,
Vakachena kwazvo.
CHORUS
Ndinotenda, ndinofara;
Jesu wandifira;
Napamuchinjikwa ropa
Randaparadzirwa.
Uyu mupati wakafara
Kuona tsime’ro;
Neni mutadzi mukuru
Ndinotenda kwazvo.
Iwe, Gwayana raMwari,
Ropa rinesimba,
Kutisunungura isu
Pane zvakaipa.
Handifaniri kupinda
Kudenga kutsvene;
Asi iwe wakaripa
Mhosva dzangu dzose.
Ndichaimba nero shoko
Nguva dzangu dzose;
Nokudenga ndichafara
Nokusingaperi.

Rakanaka Iro Zuva

Rakanaka Iro Zuva
Rakanaka iro zuva
Randakatenda kuna She!
Mwoyo wangu fara zvako
Udza vanhu vose iro
CHORUS:
Ranaka, ranaka
RaJesu wakandishamba
Iye wakandidzidzisa
 Kurinda nekuteura
Ranaka, ranaka
RaJesu wakandishamba

Chanaka chitenderano
Chinondisunga kuna She!
Ngaizadzwe imbayake
Norwiyo rwndinoimba
Rakapera basa guru!
Ndiri wake, uri wangu
Wakandizvuva norudo
Ndikamutevera ini

Mwoyo wangu chizorora!
Wakatsaukaniswakare
Rega kubva kuna Ishe
Kwa ri zvose zvakanaka
Nokudenga chakachinzwa
I chitenderano changu
Napakufa ndingatende
Nokuti ini ndiri wake

Nzvimbo Yakanaka

Nzvimbo Yakanaka
Nzvimbo yakanaka!
Musha waJehovha.
Denga ramatenga,
Denga routsvene,
Iyo nzvimbo yakanaka,
Ndinoenda rinhi kwairi?
Anoenda muenzi,
Woda kuzorora;
Hama dzangu musha,
Tinawo kudenga,
Iyo nzvimbo yakanaka,
Ndinoenda rinhi kwairi?

Pano tadzikira
Matende panyika,
Hausiri musha,
Tinawo kudenga,
Iyo nzvimbo yakanaka,
Ndinoenda rinhi kwairi?
Hapana misodzi
Kum soro kudenga,
Hapana nokufa,
Nezvo zvikomero.
Iyo nzvimbo yakanaka,
Ndinoenda rinhi kwairi?
Zviedzo zvisipo,
Nezvitadzo zvose;
Ndichazororako,
NoM ponisi wangu.
Iyp nzvimbo yakanaka,
Ndinoenda rinhi kwairi?

Nguva Yakanakisisa

Nguva Yakanakisisa
Nguva yakanakisisa
Yokukurumbidza,
Kana tadzoredzaniswa
Pam’soro kudenga;
Ndizvozvo tichinzwa manzwi
Echisimbisiso,
Chokuti kana tikafa
Pane iyo nyika.
CHORUS
Tinosangana kudenga
Neropa raJesu
Nokutenda kuna Jesu
Tichasanganiswa
.
Kunakisa korugare
Rwakasunga mwoyo:
Isu kana taungana
Pazita raKristu.
Mwanakomana waBaba
Wakakomborerwa,
Chifungidziro chokuti
Tichasanganiswa.
Hongu, nokukurumbidza;
Kukunda madzudzo;
Tsoka dzedu dzakaneta
Dzichayambukira
Zambuko rine ndarama
Pavakagarira,
Avo vanotida isu,
Ruripo rufaro.
Kana takatsaukaniswa
Kukange kwasvika
Namazuva mashomana,
Makore mashoma
Tichave naye M’ponisi,
Pane idzo nzvimbo
Dzatinoreverwa kunzi
Tichasanganiswa.

Ngatimukudze Mwari

Ngatimukudze Mwari
Ngatimukudze Mwari
Nemwoyo inofara,
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Anoraira zuva
Rivhenekere nyika:
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Zvinhu zvose zvipenyu
Zvinoponiswa naye,
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Anotikwanisawo
Anoda kukumbirwa;
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Kana tiri panhamu
Tinochengetwa isu;
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Mwana wake wakafa
Kuti tipinde denga;
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Ngatimukudze Mwari
Nemwoyo inofara;
Tsitsi dzake dziripo
Dzisingaperi idzo.

Ngandibereke Mapudzi

Ngandibereke Mapudzi
Ngandibereke mapudzi
Ayo oMweya Mutsvene
Ohunhu nokururama,
Nduramo nomwoyo chena,
Izvo zvose zvorutendo
Nezvorudo norufaro.
Izvo zvinhu ngazvikure
Mumwoyo nenguva dzose,
Zvindiyamure ndidzure
Kose uku kumanikwa
Kousvinu nokwetsino;
Nokwezvinhu zvinobvako.
Hongu, Ishe nganditunge,
Ndivewo unobereka,
Ndivavarire kuwana
Zvosewo zvakarurama,
Zvigorega kuzorambwa
Hwose unhu nadzo tsika.

Ndiani Pane Zamba

Ndiani Pane Zamba
Ndiani pane zamba
Vafudzi vopfugama?
CHORUS
Ndiye Jesu zvoshamisa
Ndiye Mambo wekudenga,
Topfugama kwaari,
Mutunidzi ndiMwari.
Ndiani ane nzara
Pasango ari oga?
Ndiani akapfava
Nedama rakanaka?
Ndiani anorapa
Vose vanorwadziwa?
Ndiani anochema
”Razaro buda guva”?
Ndiani vokwazisa
Nenzimbo nokufara?

Ndiani ateura
Pausiku mumunda?

Ndiani atifira
Pam’soro pam’chinjikwa?
Ndiani anomuka
Isu kutinunura?
Ndiani pakudenga
Anotonga nesimba?

Nditungamire Jehovha

Nditungamire Jehovha
Nditungamire, Jehovha
Ndiri mufambi Ishe;
Unesimba ini handina,
Ndashaya simba ini
O M ponesi
Ndiwe nhowo yangu.
Iro tsime roruponiso
Razarurirwa ini;
Ngarierere ndipone,
Rishambe zvakaipa
O Mponesi
Iwe ndosimba newe.

Kuti ndasvika Jordhani,
Chibvisa kutya kwangu;
Ndiperekedze ndouya
Chindichengeta ini,
O M ponesi
Iwe ndovimba newe

Ndinofara Kuti Baba Wedu

Ndinofara Kuti Baba Wedu

Ndinofara kuti Baba wedu
Wareva rudo rwake rukuru,
Parugwaro rwake rwakanaka,
Wakandiudza Jesu wandida.

CHORUS
Ndinofara Jesu wandida
Anondida, anondida;
Ndinofara Jesu wandida,
Ini anondida.

Kana ndichimukanganwa Iye,
Asi anogondiyeuchid za,
Zvino kwaari ndinodzokera,
Ndofunga kuti Jesu wandida.

Jesu anondida ini kwazvo
Kuti wandipa upenyu hwake;
Kutadza kwangu wakakufira
Ndoziva kuti Jesu wandida.

Mwoyo wangu uno Muyamuri,
Ndinotenda Jesu Mununuri,
Zvino ndinogomubatiri ra,
Nokuti ndonzwa Jesu wandida.

Mweya Mutsvene Muri Mwari

Mweya Mutsvene Muri Mwari

Mweya Mutsvene muri Mwari
Ndinotambudzika ,
Mwoyo wangu unochema,
Ndinomuda zvino.

CHORUS
Ndizadzenyi, ndizadzenyi
Uyai, Mweya zvino,
Pindai mwoyo wangu, Mweya,
Kuti ndisimbiswe.


Ndine nungo zviro kwazvo,
Ndinoshaya simba,
Asi mukandisimbisa,
Ndinokunda zvese.

Ndinoziva basa renyu
Kuti rakanaka,
Munotungamira vese
Vanomuteerera.

Kuti ndichitungamirwa
Handichawi pasi,
Handichamusiyi Baba,
Kana nzira dzenyu.

Nzira dzenyu dzakanaka,
Dzine ruvheneko,
Dzine zano rekufamba
Zvakanaka kwazvo.

Muri mubatsiri wangu,
Mutendeki kwaye,
Avo vanomutevera,
Vanokomborerwa.

Mumwe Ariko Kumsoro

Mumwe Ariko Kumsoro
Mumwe ariko kumsoro;
Anotida!
Rudo rwake rwaakakomba:
Anotida!
Hama dzedu dzinotiza
Dzimwe dzinotitambudza;
Haana kutinyengedza:
Anotida!
Kumuziva ndoupenyu:
Anotida!
Wakatipa zvinhu zvose:
Anotida!
Tanga tiri kure naye,
Wakatitenga neropa;
Wakatiisa kudenga;
Anotida!
Jesu ndiShamwari wedu:
Anotida!
Anoda kutifadzisa:
Anotida!
Mwoyo yedu inomuda
Yoda kushovedzwa naye
Zvorikwazvo nechokwadi
Anotida!
Toregererwa zvakaipa:
Anotida!
Togokunda hondo dzedu:
Anotida!
Anotipa zvipo zvose,
Anoda kutinakira,
Achatipa noutsvene:
Anotida!

Mambo Jesu Watidaidza

Mambo Jesu Watidaidza

Mambo Jesu watidaidza
Kuchidyo chake chokudenga
Tomira sei pakutongwa
Mambo apinda?
CHORUS
Apo mambo apinda, kuzotitonga
Tomira sei apo, mambo apinda?
Mambo Jesu anechiremba
Pakange pazoiswa minzwa
Nembiri yake tichaiona
Apo mambo apinda.

Zvakaipa zvichaonekwa
Kuti tamira pakutongwa
Zvemumwoyo zvichaonekwa
Mambo apinda.
Achafara pakutiona, kuti tapfeka Nguwo chena
Ndizvo kunesu kunonaka
Mambo apinda.
Tenzi tinokumbira mutsa
Kuti tose tigozomira
Munzvimbo dzedu nokusatya
Mambo apinda.

Jerusarema Musha Wangu

Jerusarema Musha Wangu
Jerusarema, musha wangu!
Musha wakanaka!
Kana ndapedza mabasa
Ndinenda kwauri.
Ndichauona riniko,
Uyo musha wangu?
Une dzimba dzakanana,
Nokudya kutsvene.
Hapasisina kuipa,
Hapana nenhamu
Ndinoramba ndichienda
Kumusha mutsvene.
Ndingatye here kurwadza?
Ndigatize kufa?
Kwete, ndinenda Kenani,
Nyika yandinoda.
Vaprofita, vadziidzisi,
Vakafira Jusu,
Varipo pamwe naKristu,
Neni ndichaenda.
Jerusarema, musha wangu!
Wandinotsvakisa
Kana ndasvika kwauri
Ndichafara kwazvo.

Hosana Wokudenga

Hosana Wokudenga
Hosana wokudenga
Ndoimba nenzwi rangu,
Kumwana waDavid,
Wauya kwandiri.
Hosana ndiyamure
Pakurema kwangu.
Wauya asadanwa
Mponisi wangu.
Ndoshonge dzakadini
Azondishanyira?
Mugadzirire iwe
Mwoyo wako wose.
Ndoupira kwauri
Mununuri wangu.
Upfugame kwaari.
Chokwadi Ishe wangu.
Ndasunungurwa newe
Mutorongo rangu:
Rikadimurwa newe
Iro joki rangu,
Rakandirasikisa
Ndasiya upenyu,
Wakandifarisazve
Pakuchema kwangu.

Hatina Musha Panyika

Hatina Musha Panyika
Hatina Musha Panyika
Hatifare kuva pano
Zvinofadza mweya yedu
Kutsvaga Musha unouya

Hatina musha panyika
Tinoda musha uri kure
Zita rawo iZion
Unopenya nguva dzose

Musha une runyarararo
Vafambi vachazorora
Daindine mapapiro
Ndaiuya ndizorore

Mweya wangu chinyarara
Mwari anoziva nguva
Ndichaita kuda kwake
Iye wondipa zororo

Gara Neni Izuva Radoka

Gara Neni Izuva Radoka
Gara neni izuva radoka
Rima rinosvika; gara neni!
Vamwe vayamuri vakatadza.
Ishe muyamuri, gara neni.
Ndinokutsvaka nenguva dzose;
Ngoni dzako dzakunda muidzi.
Unoziva kunditungamira;
Parima, pachena, gara neni.
Handityi kana uripedyo;
Nhamo hairemi, handichemi;
Handine nhamu naiko kufa.
Ndokunda kana ugere neni.
Ndiratidze, Iwe uri woga;
Ndivhenekere kuti ndione.
Kuedza kunogouya zvino;
Mupenyu murufu, gara neni

Famba Mangwanangwana

Famba Mangwanangwana
Famba mangwanangwana,
Famba masikati,
Famba zuva radoka
Famba pausiku.
Famba nomwoyo mutsvene,
Urege kutyiswa
Upfugame nemabvi
Teura kwaari.
Kumbirira shamwari,
Vose unovada;
Kumbirira vavengi
Rega kuvasiya;
Shure kwezvo kumbira
Chowotsvaga woga,
Nero zita raJesu
Mununuri wako.
Kana washaya nzvimbo
Yokugara woga;
Kana varipo vamwe,
Zvimwe une basa
Mwari anokunzwa.
Kufunga kwedu kose
Kunozibwa naye.
Kana waona nhamu
Teura kwaari;
Naparufaro rwako
Tenda kuna Mwari;
Simba raakatipa
Rinokunda zvose,
Simba rokuteura
Kuna Mwari wedu.

Chinyarara Mwoyo Wangu

Chinyarara Mwoyo Wangu
Chinyarara mwoyo wangu Jesu ndiye Mwari,
Zviro zvose zviri pasi zvakasikwa ndiye

CHORUS
Kristu uyayi, Kristu uyayi,
Hunde, uyayi, Tenzi.

Chinyarara mwoyo wangu, Jesu mambo kwaye,
Unotenda kuna Mwari, tenda kuna Jesu.

Chinyarara mwoyo wangu, Jesu anovaka
Imba yako yakanaka kune denga rake.

Chinyarara mwoyo wangu, unokomborerwa,
 Haugari nguva refu, uchasvika denga.

Chinyarara mwoyo wangu, Jesu ndiye Mwari,
 Kuda kwake kwakanaka, ngakuitwe ndiwe.

Chinjikano Ndirero

Chinjikano Ndirero
Chinjikano ndirero
Tsime reupenyu;
Rinopodza vose
She, vanouya kwenyu.
CHORUS
Ipapo, ipapo,
Jesu ndichakudza;
Kusvikira ikweyo ndichimurumbidza
Chinjikano, ipapo
Ndanga ndichihuta;
Bva nenyasha ndipapo
Pandakazofara.
Maratidza ipapo
Tsitsi dzenyu huru;
Zvino mundibetserei
Kuifunga kwazvo!
Ndorambira ipapo
Ndichitenda kwoga;
Pamwe handizivipo
Asi apo poga.