Jerusarema Musha Wangu
Jerusarema, musha wangu!
Musha wakanaka!
Kana ndapedza mabasa
Ndinenda kwauri.
Musha wakanaka!
Kana ndapedza mabasa
Ndinenda kwauri.
Ndichauona riniko,
Uyo musha wangu?
Une dzimba dzakanana,
Nokudya kutsvene.
Uyo musha wangu?
Une dzimba dzakanana,
Nokudya kutsvene.
Hapasisina kuipa,
Hapana nenhamu
Ndinoramba ndichienda
Kumusha mutsvene.
Hapana nenhamu
Ndinoramba ndichienda
Kumusha mutsvene.
Ndingatye here kurwadza?
Ndigatize kufa?
Kwete, ndinenda Kenani,
Nyika yandinoda.
Ndigatize kufa?
Kwete, ndinenda Kenani,
Nyika yandinoda.
Vaprofita, vadziidzisi,
Vakafira Jusu,
Varipo pamwe naKristu,
Neni ndichaenda.
Vakafira Jusu,
Varipo pamwe naKristu,
Neni ndichaenda.
Jerusarema, musha wangu!
Wandinotsvakisa
Kana ndasvika kwauri
Ndichafara kwazvo.
Wandinotsvakisa
Kana ndasvika kwauri
Ndichafara kwazvo.
No comments:
Post a Comment